Ecclesiastes 8

1Ndiani akafanana nomunhu akachenjera?
Ndiani anoziva tsananguro yezvinhu?
Uchenjeri hunobwinyisa chiso chomunhu
uye hunoshandura kuomarara kwechiso.

Teerera Mambo

2Ndinoti, teerera murayiro wamambo, nokuti wakaita mhiko pamberi paMwari. 3Usakurumidza kubva pamberi pamambo. Usamiririra zvinhu zvakaipa, nokuti iye achaita chinhu chipi zvacho chinomufadza. 4Sezvo shoko ramambo riri pamusoro pamashoko ose, ndiani angati kwaari, “Munoiteiko?”

5Ani naani zvake achateerera murayiro wake haangawani chinomukuvadza,
uye mwoyo wakachenjera uchaziva nguva yakafanira namaitiro akafanira.
6Nokuti kune nguva yakafanira namaitiro akafanira pazvinhu zvose,
kunyange nhamo yomunhu ichimuremera zvikuru.

7Sezvo pasina munhu anoziva ramangwana,
ndiani angamuzivisa zvichauya?
8Hakuna munhu ane simba pamusoro pemhepo kuti aitonge;
saizvozvowo hakuna munhu ane simba pamusoro pezuva rokufa kwake.
Sezvo kusinawo munhu anoregedzeswa kurwa panguva yehondo,
saizvozvowo zvakaipa hazvingaregedzi uyo anozviita.
9Zvose izvi ndakazviona, pandakaisa pfungwa dzangu pane zvose zvinoitwa pasi pezuva. Pane nguva yokuti mumwe munhu anenge ane simba pamusoro pavamwe, asi achizvikuvadza pachake. 10Zvino ndakaonazve vakaipa vachivigwa mumakuva, vose vaisiuya nokuenda kubva kunzvimbo tsvene uye vachirumbidzwa muguta mavaiitira izvi. Naizvozviwo hazvina maturo.

11Kana mhosva ikarega kukurumidza kutongwa, mwoyo yavanhu ichazara nezvirongwa zvokuita zvakaipa. 12Kunyange munhu akaipa akapara mhosva dzinosvika zana agorarama nguva refu, ndinoziva kuti zvichava nani kuna vanhu vanotya Mwari, avo vanokudza Mwari. 13Asi nokuti vakaipa havatyi Mwari, hazvizovanakira, uye mazuva avo haangarebi somumvuri.

14Pane chimwezve chinhu chisina maturo chinoitika panyika: Vanhu vakarurama vanoitirwa zvakafanira kuitirwa vakaipa, uye vanhu vakaipa vanowana zvakafanira kuwanikwa navakarurama. Naizvozviwo ndinoti hazvina maturo. 15Saka ndinokurudzira vanhu kuti vafadzwe noupenyu, nokuti hapana chinhu chiri nani kumunhu pasi pezuva kupfuura kudya nokunwa nokufara. Ipapo mufaro uchamutevera mubasa rake mazuva ose oupenyu hwaakapiwa naMwari pasi pezuva.

16Pandakaisa pfungwa dzangu kuti ndizive uchenjeri nokuongorora mabasa omunhu panyika, maziso ake asingawani hope usiku namasikati, 17ipapo ndakaona zvose zvakaitwa naMwari. Hapana munhu angazvinzwisisa zvinoitika pasi pezuva. Hazvinei kuti munhu anoedza sei kuzvitsvaka, munhu haangagoni kuziva zvazvinoreva. Kunyange munhu akachenjera akati anozviziva haangakwanisi kunyatsozvinzwisisa.

Copyright information for SnaBDSC